Exodus 1:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati: Kana muciɓatsira ʋakadzi ʋaʋaHeberu paɓasa ramadzimbuya, muciʋaʋona pakupona, kana ari mŋanakomana mumuʋuraye, kana ari mŋanasikana, ŋgaararame hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pamunobatsira vakadzi vechiHebheru pakusununguka uye mukavacherechedza vachisununguka, kana ari mukomana, mumuuraye; kana ari musikana murege ari mupenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti, “Kana mava kubatsira madzimai echiHebheru anenge ava pakusununguka, mukaona kuti mwana wacho mukomana, ibvai mamuuraya. Asi kana ari musikana, musamuuraye.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati, “Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.”
Shona 2009?
akati, "Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake."
Shona SUB 2002 Bible
akati, “Kana muchibatsira vakadzi vaVaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.”