Exodus 1:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Madzimbuya akati kunaFarao: Nokuti ʋakadzi ʋaʋaHeberu haʋana‐kufanana naʋakadzi ʋaʋaEgipita, nokuti ʋanesimba; mbuya ʋasati ʋaȿika kwaʋari, ʋatopona haʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vananyamukuta vakapindura Faro vachiti, “Vakadzi vechiHebheru havana kufanana navakadzi veIjipiti; vane simba uye vanosununguka vananyamukuta vasati vasvika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vananyamukuta ava vakapindura Farao vachiti, “Madzimai echiHebheru haana kufanana namadzimai echiIjipiti, nokuti madzimai echiHebheru akagwinya kwazvo zvokuti vananyamukuta vanozosara zvavo vosvika, ivo vatosununguka kare.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Madzimbuya akati kuna Farao, “Nokuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.”
Shona 2009?
Madzimbuya akati kuna Farao, "Nokuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo."
Shona SUB 2002 Bible
Madzimbuya akati kuna Farao, “Nokuti vakadzi vaVaHebheru havana kufanana navakadzi vaVaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.”