Exodus 1:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Farao akaraira ʋanhu ʋake ʋose, akati: Ʋanakomana ʋose ʋanozoɓerekwa, muʋakandire murwizi, asi ʋasikana ʋose muʋarege ʋari ʋapenyu haʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Faro akarayira vanhu vose akati, “Vanakomana vose vanoberekwa munofanira kuvakanda murwizi Nairi, asi murege vanasikana vose vari vapenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farao akabva audza vanhu vake vose achiti, “Mwana mukomana upi noupi anenge aberekwa mukati mavaHebheru, mukandei murwizi, muna Nairi, asi vana vasikana vose, varegei vari vapenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Farao akaraira vanhu vake vose, akati, “Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo.”
Shona 2009?
Farao akaraira vanhu vake vose, akati, "Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo."
Shona SUB 2002 Bible
Farao akaraira vanhu vake vose, akati, “Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo.”