Exodus 1:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paEgipita pakamuka mumŋe mambo mutȿa, wakaŋga asina‐kuziʋa Josefa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakazomuka mambo mutsva aitonga muIjipiti akanga asingazivi nezvaJosefi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino paIjipiti pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa.
Shona 2009?
Zvino paIjipititi pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muIjipiti makamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa.