Exodus 10:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, nokuti ndawomesa mŋoyo wake, nemŋoyo yaʋaranda ʋake, kuti ndiise ɀiratidzo ɀaŋgu iɀo pakati paʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao nokuti ndaita kuti aomese mwoyo, iye namachinda ake kuti ndiite zviratidzo zvangu pakati pavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo;
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa moyo wake, nemoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Enda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo;