Exodus 10:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiȿa! Imi ʋarume endai henyu, mundonamata Jehova, nokuti ndiɀo ɀamakumbira. Ʋakadziŋgwa pamberi paFarao.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwete! Varume chete ngavaende; uye vandonamata Jehovha, sezvo zviri izvo zvamanga muchikumbira.” Ipapo Mozisi naAroni vakadzingwa pamberi paFaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvimboitika! Vanhurume chete ndivo vachaenda kundonamata Tenzi. Inga ndizvo zvamanga muchida wani!” Pakarepo Mosesi naAroni vakadzingwa pana Farao.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haisa! Imi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira.” Vakadzingwa pamberi paFarao.
Shona 2009?
Haisva! imwi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira." Vakadzingwa pamberi paFarao.
Shona SUB 2002 Bible
Haisva! Imi varume endai henyu, munonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira.” Vakadzingwa pamberi paFarao.