Exodus 10:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro penyika yeEgipita, mhashu dziʋuye pamsoro penyika yeEgipita, dzidye miti yose yenyika yose yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako pamusoro penyika yose yeIjipiti kuti mhashu dziuye, muIjipiti dzidye zvose zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.”