Exodus 10:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mhashu dzikaʋuya pamsoro penyika yose yeEgipita, dzikandomhara munyika yose yeEgipita; dzakaŋga dzakawanda kwaɀo; mhashu dzakaɗai hadzina‐kumboʋa’po kubva pakutaŋga, ʋuye dzakaita saidzodzo hadziŋgazoʋi’po ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.
Shona 2009?
Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti, dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.
Shona SUB 2002 Bible
Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.