Exodus 10:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti dzakafukidza nyika yose‐yose, nyika ikati ɀi! Dzikadya miti yose yenyika, nemicero yose yemiti, yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge; hapana‐kuzosara kunyaŋge cinhu cimŋe citema pamiti, kana pamiriʋo yeminda, panyika yose yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzakamomotera nyika yose, zvokuti pasi pakati ndo-o kusviba. Dzakadya zvose zvaiva munyika iyi. Dzakadyawo michero yose yomumiti yakanga yasiyiwa nechimvuramahwe. Hadzina kusiya kana shizha zvaro nyoro pamuti kana pane kai zvako muminda munyika yose zvayo yeIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti dzakafukidza nyika yoseyose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti.
Shona 2009?
Nokuti dzakafukidza nyika yose-yose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti dzakafukidza nyika yose–yose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyangwe chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti.