Exodus 10:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akadzosera mhepo inesimba kwaɀo, yakabva kumaʋirazuʋa, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGuŋgwa Dɀuku; hakuna‐kuzosara kunyaŋge nemhashu imŋe cete munyika yose yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha akashandura mhepo ikava mhepo ine simba yokumavirira iyo ikasimudza mhashu ikadzikanda muGungwa Dzvuku. Hapana mhashu yakasara papi zvapo muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akabva adzora mhepo iya, ndokuiunza ichibva nechokumadokero yava nesimba kwazvo. Yakatakura mhashu idzi ikandodzikanda muGungwa Dzvuku. Hakuna kunyange nemhashu imwechete yakasara munyika yeIjipiti yose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyangwe nemhashu imwechete munyika yose yeIjipiti.