Exodus 10:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti iwe ugotaura munzeʋe dzomŋanakomana wako, nedzomŋanakomana womŋanakomana wako, ɀose ɀandakaitira Egipita, neɀiratidzo ɀandakaita pakati paʋo; muziʋe kuti ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu mabatiro akaipa andakaitira vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodawo kuti imi vaIsiraeri muzokwanisa kukurukurira vana venyu navazukuru venyu, vachinzwa nenzeve dzavo kupusisa kunorwadza kwandakaita vaIjipiti nezviratidzo zvandakaita pakati pavo, mugoziva kuti ini ndini Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.”
Shona 2009?
kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.”