Exodus 10:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Farao akaɗana Mosesi, akati: Endai, mundonamata Jehova; asi makwai enyu neŋombe dzenyu ŋgadzisare; nepxere dzenyu dziŋgaenda hadzo nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Faro akadana Mozisi akati, “Endai mundonamata Jehovha. Kunyange vakadzi venyu navana vangaenda havo nemi; musiye chete makwai enyu nemombe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farao akadaidza Mosesi akati, “Chiendai zvenyu mundonamata Tenzi, vana venyu vangaendewo zvavo nemi, asi mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu ngazvisare.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Farao akadana Mosesi, akati, “Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.”
Shona 2009?
Zvino Farao akadana Mozisi, akati, "Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Farao akadana Mosesi, akati, “Endai, munonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.”