Exodus 10:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀipfuwo ɀeɗu ɀicaenda ʋo nesu, hakuŋgasari kunyaŋge nehwanda rimŋe, nokuti tinofanira kutora kwaɀiri kuti tinamate naɀo Jehova Mŋari weɗu; hatiziʋi ɀatiŋganamata Jehova naɀo kudzimana taȿika po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvipfuwo zvedu zvinofanira kuendawo nesu; hapana hwanda rinofanira kusara. Tinofanira kuzvishandisa zvimwe zvacho mukunamata Jehovha Mwari wedu, uye kusvikira tasvikako hatingazivi zvatingashandisa kuti tinamate Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tichaendawo nezvipfuwo zvedu, hapana kana nechimwechete chinofanira kusara. Muzvipfuwo zvedu ndimo matichasarudza zvatichazobaya tichipisira Tenzi, Mwari wedu. Hatingazivizve kuti ndechipi chatichabayira Tenzi tisati tasvikako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.”
Shona 2009?
Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyangwe nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.”