Exodus 10:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaranda ʋaFarao ʋakati kwaari: Munhu uyu ucaʋa musuŋgo kwatiri kuȿikira riniko? Tenderai henyu ʋanhu kuenda, ʋandonamata Jehova Mŋari waʋo; hamuziʋi here kuti Egipita raparadzwa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda aFarao akamuti, “Munhu uyu acharamba achititambudzisa kusvikira riniko? Zviri nani kuti murege vaIsiraeri vaende zvavo vandonamata Tenzi, Mwari wavo. Ko nazvino wose hamusi kuonawo here kuti kutoparara kuri kuita nyika yeIjipiti ikoku?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, “Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira riniko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?”
Shona 2009?
Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, "Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira rinhiko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, “Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira rinhiko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vanonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti yaparadzwa?”