Exodus 10:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati: Ticaenda naʋaɗuku ʋeɗu, naʋakuru ʋeɗu, naʋanakomana ʋeɗu naʋanasikana ʋeɗu; ticaenda namakwai eɗu, neŋombe dzeɗu; nokuti tinofanira kuitira Jehova mutambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati, “Tichaenda tose vakuru navaduku. Tichatakura vana vedu vakomana navasikana. Tichaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvedu zvose nokuti tiri kundoita mabiko chaiwo okupemberera Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati, “Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.”
Shona 2009?
Mozisi akati, "Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo."
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati, “Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.”