Exodus 11:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Ndicaʋuyisa ɗambudziko rimŋe ɀe pamsoro paFarao napamsoro peEgipita, ipapo ucakutenderai kubva pano; musi waacakutenderai kuenda, ɀirokwaɀo ucakudziŋgai cose pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Ndichauyisa rimwezve dambudziko pamusoro paFaro napamusoro peIjipiti. Shure kwaizvozvo, achakutenderai kubva pano, uye paanozviita, achakudzingirai kunze zvachose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino kwasara dambudziko rimwechete randichaunzira Farao nenyika yeIjipiti ozokuregai zvenyu moenda. Farao paachanyatsoti muende achaita zvokukudzingai muno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.