Exodus 11:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi naAroni ʋakaita ɀishamiso ɀiya ɀose pamberi paFarao, asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akasatendera ʋana ʋaIsraeri kubva munyika yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvose izvi pamberi paFaro, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kutendera vaIsraeri kuti vabude munyika yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi naAroni vakaita zviratidzo zvose izvozvi zvinoshamisa Farao achiona. Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vabve munyika yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.
Shona 2009?
Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana VaIsiraeri kubva munyika yake.