Exodus 11:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akapa ʋanhu nyasha pamberi paʋaEgipita. Naiye munhu uyu Mosesi, wakaŋga ari mukuru kwaɀo munyika yeEgipita, pamberi paʋaranda ʋaFarao, napamberi paʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akaita kuti vanhu vawanirwe nyasha navaIjipita, uye Mozisi pachake akanga achikudzwa zvikuru muIjipiti namachinda aFaro uye navanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ndokuitawo kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena. Zvakarewo Mosesi aiva munhu anoremekedzwa kwazvo munyika yeIjipiti airemekedzwa namachinda aFarao navanhu vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti. Naiye munhu uyu Mosesi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti. Naiye munhu uyu Mozisi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi paVaIjipiti. Naiye munhu uyu Mosesi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.