Exodus 11:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi pakati paʋana ʋaIsraeri ʋose, pakati paʋanhu kana ɀipfuwo, hapaŋgaʋi nembga icasimudza rurimi rwayo; kuti muziʋe kuti Jehova wakatsaura pakati paʋaEgipita naʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi pakati pavaIsraeri hapana kana imbwa ichahukura munhu zvake kana chipfuwo.’ Ipapo uchaziva kuti Jehovha anoita mutsauko pakati peIjipiti neIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kuvaIsiraeri nezvipfuwo zvavo uchange uri muchete, kusina kunyange imbwa zvayo ichahukura kwavari. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndinobata vaIsiraeri navaIjipiti zvakasiyana.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi pakati pavana vaIsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaIjipiti navaIsiraeri.
Shona 2009?
Asi pakati pavana valsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaIjipiti navalsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Asi pakati pavana VaIsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati paVaIjipiti naVaIsiraeri.