Exodus 12:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mudye ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nezuʋa rokutaŋga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu unodya ciŋgwa cakaʋiriswa kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira pazuʋa recinomŋe ŋgaabviswe pakati paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwamazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga mubvise mbiriso mudzimba dzenyu, nokuti ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso mukati macho kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati, “Kwamazuva manomwe, muchadya chingwa chisina mbiriso chete. Pazuva rokutanga, bvisai mbiriso yose mudzimba dzenyu nokuti kana munhu akazodya chingwa chine mbiriso pamazuva manomwe iwayo, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri.
Shona 2009?
"Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
“Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati paVaIsiraeri.