Exodus 12:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofanira kutamba mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, nokuti ndiro zuʋa randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipita; naiɀoɀo ceŋgetai zuʋa iro kuȿikira kumarudzi enyu ose, uʋe murairo nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti pazuva irori ndipo pandakabudisa mapoka enyu kubva muIjipiti. Mupemberere zuva irori uve mutemo wokusingaperi kumarudzi anotevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munofanira kuchengeta mazuva echingwa chisina mbiriso nokuti ndiro zuva randakaburitsa madzinza enyu muIjipiti. Saka chengetai zuva guru irori pazvizvarwa zvenyu zvose somurao wenyu unogara uripo narini narini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi.
Shona 2009?
Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murairo nokusingaperi.