Exodus 12:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akaɗana ʋakuru ʋose ʋaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Endai mundotora makwaiana anoriŋgana mhuri dzenyu, muɓaye paseka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akadana vakuru vose veIsraeri akati kwavari, “Endai izvozvi mundosarudza zvipfuwo zvemhuri dzenyu mugouraya gwayana rePasika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akakokorodza vakuru vakuru vavaIsiraeri akati, “Endai mutorere mhuri dzenyu hwayana kana mbudzana mubayire Pasika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, “Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, "Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akadana vakuru vose vaVaIsiraeri, akati kwavari, “Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika.