Exodus 12:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova ucapfuʋura napakati penyika kuti aroʋe ʋaEgipita; kana akaʋona ropa paciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri, Jehova ucaɗarika mukoʋa uyo, haaŋgatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akuroʋei.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha paanopinda napakati penyika kuti arove vaIjipita, achaona ropa pamusoro pechivivo nomumativi amagwatidziro egonhi uye achapfuura pamikova yenyu, uye haangatenderi muparadzi kuti apinde mudzimba dzenyu kuti akurovei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi paachapfuura nomunyika muno achiuraya vaIjipiti, achaona ropa pamagwatidziro okumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo, obva apfuura zvake musuo iwoyo. Haazobvumidza muparadzi kupinda mudzimba dzenyu kuzouraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei.
Shona 2009?
Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove VaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei.