Exodus 12:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muti kwaʋari: Ndico ciɓayiro cepaseka yaJehova, wakaɗarika dzimba dzaʋana ʋaIsraeri paEgipita nomusi waakaroʋa ʋaEgipita, akaponesa dzimba dzeɗu. Ipapo ʋanhu ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
imi muti, ‘Ichi chibayiro chePasika chatinoita tichirumbidza Tenzi nokuti akapfuura dzimba dzavaIsiraeri muIjipiti achiuraya vaIjipiti, asi achisiya vemhuri dzedu vari vapenyu.’ ” Ipapo vaIsiraeri vakabva vapfugama vakanamata Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muti kwavari, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.’ ” Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata.
Shona 2009?
Muti kwavari, `Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.' "Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata.
Shona SUB 2002 Bible
Muti kwavari, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana VaIsiraeri muIjipiti nomusi waakarova VaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.’ ” Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata.