Exodus 12:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Farao akamuka ʋusiku, iye naʋaranda ʋake naʋaEgipita ʋose, kukaʋa nokucema kukuru paEgipita, nokuti kwakaŋga kusineimba musinawakafa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usiku ihwohwo Farao namachinda ake ose navaIjipiti vose vakamuka rikave zhowezhowe kuchema muIjipiti nokuti kwakanga kusina musha wakanga usina rufu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa;
Shona 2009?
Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake naVaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa;