Exodus 12:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaɓika ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomukanyiwa waʋakaŋga ʋaɓuɗa nawo paEgipita, nokuti wakaŋga usinakuʋiriswa; nokuti ʋakadziŋgwa muEgipita, ʋakasagona kunonoka, ʋakasaɀigadzirira mbuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakabika makeke ezvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakabva nawo kuIjipiti. Mukanyiwa uyu wakanga usina mbiriso nokuti vakanga vadzingwa kubva muIjipiti uye havana kuwana nguva yokuti vazvigadzirire zvokudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakazobika chingwa chisina mbiriso nemikanyiwa iya yavakabva nayo kuIjipiti. Vakatadza kana kuisa mbiriso mumikanyiwa yechingwa nokuti vakaita zvokudzingwa muIjipiti. Pakanga pasina zvokunonoka, havana kana kuzvigadzirira mbuva yerwendo rwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva.
Shona 2009?
Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva.
Shona SUB 2002 Bible
Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo muIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva.