Exodus 12:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mhuri iri ɗuku ʋasiŋgagoni kupedza gwaiana, iʋo naʋagere pedyo neimba yaʋo ŋgaʋatore rimŋe rinoriŋgana ʋanhu. Muriŋganise gwaiana pakudya kwomumŋe nomumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana imba ipi zvayo iri duku kwazvo pagwayana rose, vanofanira kugovana rimwe chete nomuvakidzani ari pedyo zvichienderana nouwandu hwavanhu varipo. Munofanira kuona mugove unodikanwa maererano nezvingadyiwa nomunhu mumwe nomuwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mhuri iri duku, hwayana yacho yakavakurira, ngaibatane neimwe mhuri yayakavakidzana nayo. Munofanira kufanoona kuti hwayana yacho inokwaniranawo navanhu varimo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedyo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya kwomumwe nomumwe.
Shona 2009?
Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya komumwe nomumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedyo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya kwomumwe nomumwe.