Exodus 12:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋusiku ubgo ʋunofanira kuraŋgarirwa Jehova, nokuti wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita nabgo. Ndibgo ʋusiku bgaJehova, ʋunofanira kuraŋgarirwa kwaɀo naʋana ʋaIsraeri ʋose namarudzi aʋo ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usiku uhwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa muIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsraeri vose namarudzi avo ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usiku ihwohwo, Tenzi akarindira kuitira kuti anunure vaIsiraeri. Naizvozvo usiku ihwohwu vaIsiraeri vanofanira kugaririrawo vachipembererera Tenzi pazvizvarwa nezvizvarwa zvavo zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usiku ihwohwo unofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, unofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose.
Shona 2009?
Usiku ihwohwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose.
Shona SUB 2002 Bible
Usiku ihwohwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, unofanira kurangarirwa kwazvo navana VaIsiraeri vose namarudzi avo ose.