Exodus 12:48 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mutorwa ugere newe aciɗa kuitira Jehova paseka, ʋanhurume ʋose ʋari kwaari ŋgaʋadziŋgiswe, ipapo ŋgaasweɗere hake kuiita; ɀino wafanana nomunhu wakaɓerekerwa panyika; asi usina‐kudziŋgiswa ŋgaarege kuidya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mutorwa wose agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kudzingisa varume vose vari mumba make; ipapo achadya hake somunhu akaberekerwa munyika imomo. Murume asina kudzingiswa haafaniri kuidya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mutorwa agere nemi achidawo kuchengeta Pasika yokupemberera Tenzi, vanhurume vose vaanenge anavo ngavadzingiswe. Ndipo paangazofemerawo kuichengeta nokuti anenge angoitawo somuIsiraeri. Asi hakuna munhu asina kudzingiswa anobvumidzwa kuichengeta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mutorwa agere newe achida kuitira Jehovha Pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino afanana nomunhu akaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible