Exodus 13:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana mŋanakomana wako acizokubvunza paŋguʋa inoʋuya, akati: Cinyiko ici? Uti kwaari: Jehova wakatiɓuɗisa noruʋoko runesimba paEgipita paimba yoʋuranda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mumazuva anouya, paunenge uchibvunzwa nomwanakomana wako kuti, ‘Zvinoreveiko izvi?’ uti kwaari, ‘Noruoko rune simba Jehovha akatibudisa muIjipiti, munyika youtapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mwanakomana wako akazokubvunza mune ramangwana achiti, ‘Ko izvi zvinoreveiko?’ Iwe iti, ‘Tenzi akatiburitsa nesimba rake guru muIjipiti mataitambura tiri muuranda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, ‘Chinyiko ichi?’ Uti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paIjipiti paimba youranda;
Shona 2009?
Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, `Chinyiko ichi?' Uti kwaari, `Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paIjipiti paimba youranda;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, ‘Chiiko ichi?’ Uti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa noruoko rune simba muIjipiti paimba youranda;