Exodus 13:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti paŋguʋa iyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehova wakaʋuraya mataŋgwe ose enyika yeEgipita, mataŋgwe ose aʋanhu naʋana ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; naiɀoɀo ndinoɓayira Jehova ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kana ɀiri ɀirume; asi mataŋgwe ose aʋanakomana ʋaŋgu ndinoadzikinura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro paakasindimara achiramba kuti tiende, Jehovha akauraya matangwe ose omuIjipiti, zvose vanhu nezvipfuwo. Ndokusaka ndichibayira kuna Jehovha mukono wokutanga wechibereko chechizvaro chose uye ndichidzikinura dangwe rimwe nerimwe ravanakomana vangu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farao paakaomesa mwoyo achitirambidza kubuda, Tenzi akauraya matangwe echirume ose munyika yeIjipiti kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kumatangwe ezvipfuwo. Ndokusaka ndichitora zvipfuwo zvose zvinotanga kuberekwa ndichizviita chibayiro kuna Tenzi. Asi vana vedu vakomana vanenge vari matangwe tinotovanunura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya madangwe ose enyika yeIjipiti, madangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo;’ naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi madangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikinura.
Shona 2009?
nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya matangwe ose enyika yeIjipiti, matangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo;' naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi matangwe ose avanakomana vangu ndiNowadzikunura.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya matangwe ose enyika yeIjipiti, matangwe ose avanhu navana vematangwe dzezvipfuwo;’ naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi matangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikinura.