Exodus 13:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Farao wakati aregedza ʋanhu kuti ʋaende, Mŋari haana‐kuʋafambisa nenzira yapanyika yaʋaFiristia, kunyaŋge yaiʋa pedyo, nokuti Mŋari wakati: Ɀimŋe ʋanhu ʋaŋgaɀiɗemba, kana ʋaciʋona kurwa, ʋakadzokera Egipita;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro akati atendera vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira nomumugwagwa waipinda nomunyika yavaFiristia, kunyange zvayo yakanga iri pfupi. Nokuti Mwari akati, “Kana vakasangana nehondo, vangashandura pfungwa dzavo vakadzokera kuIjipiti.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Farao abvumira vaIsiraeri kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira kuenda nenzira inopfuura nomunyika yevaFirisitia kunyange zvayo yakanga iri iyo pfupi nokuti Mwari akati, “Vangasangane nehondo vakafunga napamwe vakadzokera kuIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedyo, nokuti Mwari akati, “Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti;”
Shona 2009?
Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedo, nokuti Mwari akati, "Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti,"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyangwe yaiva pedyo, nokuti Mwari akati, “Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti;”