Exodus 13:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akatora mafupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti wakaŋga apikisa ʋana ʋaIsraeri, aciti: Ɀirokwaɀo Mŋari ucakushanyirai, mucabva pano, mugoenda ʋo namafupa aŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akatora mapfupa aJosefa nokuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko. Akanga ati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva panzvimbo ino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akatora mapfupa aJosefi akaenda nawo nokuti iye Josefi akanga ati vaIsiraeri vapike kuzoita izvozvi achiti, “Ndinoziva kuti Mwari achauya kuzokununurai, zvino kana moenda takurai mapfupa angu muendewo nawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti akanga apikisa vana vaIsiraeri, achiti, “Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namapfupa angu.”
Shona 2009?
Mozisi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti akanga apikisa vana vaIsiraeri, achiti, "Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namapfupa angu."
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti akanga apikisa vana VaIsiraeri, achiti, “Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namapfupa angu.”