Exodus 13:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Raŋgarirai zuʋa iri ramakaɓuɗiswa naro paEgipita, paimba yoʋuranda, nokuti Jehova wakakuɓuɗisai pano noruʋoko runesimba; ciŋgwa cakaʋiriswa ŋgacirege kudyiwa nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri, iro zuva ramakabuda muIjipiti, munyika youtapwa, nokuti Jehovha akakubudisai mairi noruoko rune simba. Musadya chinhu chine mbiriso.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akataurira vaIsiraeri achiti, “Rangarirai zuva ramakabuda muIjipiti kwamaiva muuranda nokuti Tenzi akakubvisaimo nesimba rake guru, naizvozvo hamubvumirwe kudya chingwa chine mbiriso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati kuvanhu, "Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro muIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi.