Exodus 13:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Jehova akuȿitsa kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, yaakambopikira madziɓaɓa ako, kuti ucakupa iyo, nyika inoyerera mukaka noʋuci, unofanira kundoita ɓasa iri nomŋedzi uno.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamunosvitswa naJehovha munyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, navaJebhusi, iyo nyika yaakapikira madzibaba enyu kuti vazokupai iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, munofanira kucherechedza chirevo ichi mumwedzi uno.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana Tenzi akazokusvitsai kunyika yaakatsidzira madzitateguru enyu kuzokupai, nyika yavaKanani navaHiti navaHivhi navaJebhusi, nyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kupemberera ikoku ngakuitwe mumwedzi iwo uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno.
Shona 2009?
Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yaVaKenani, neyaVaHeti, neyaVaAmori, neyaVaHivhi, neyaVaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno.