Exodus 13:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋudza mŋanakomana wako nomusi iwoyo, uti: Ndiɀo ɀinoratidza ɀandakaitirwa naJehova musi wandakaɓuɗa Egipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iroro uudze mwanakomana wako kuti, ‘Ndinoita izvi nokuda kwezvandakaitirwa naJehovha pandakabuda muIjipiti.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munozofanira kuudza vana venyu pazuva iroro kuti, ‘Zvinhu izvi, tiri kuzviita pamusana pezvatakaitirwa naTenzi patakabva kuIjipiti.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, ‘Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.’
Shona 2009?
Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, `Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.'
Shona SUB 2002 Bible
Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, ‘Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.’