Exodus 14:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Farao wakati aȿika pedyo, ʋana ʋaIsraeri ʋakasimudza meso aʋo, ʋakaʋona ʋaEgipita ʋaciʋateʋerera, ʋakatya kwaɀo; ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona havo vaIjipita, vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farao paakanga oswedera pedyo navo, vaIsiraeri vakacheuka, onei vaIjipiti vakarongana vachivatevera, vakatya kwazvo vakachema kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Farao akati asvika pedyo, vana vaIsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.
Shona 2009?
Zvino Farao akati asvika pedo, vana valsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Farao akati asvika pedyo, vana VaIsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona VaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana VaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.