Exodus 14:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko harizi shoko iro ratakakuʋudzai paEgipita here, ticiti: Tiregei, tiɓatire heɗu ʋaEgipita? Nokuti ɀiri nani kuti tiɓatire ʋaEgipita, pakuti tifire murenje.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here?’ Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti ndizvozvi here zvatakakuudza tichiri muIjipiti kuti siyana nesu, utirege tishandire vaIjipiti. Zvaitova nani kuti tishandire vaIjipiti pano kufira murenje.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, ‘Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.’ ”
Shona 2009?
Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, `Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ko harizi shoko iro ratakakuudzai muIjipiti here, tichiti, ‘Tiregei, tibatire hedu VaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire VaIjipiti, pakuti tifire murenje.’ ”