Exodus 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, mirai, mugoʋona sunuŋguro yaJehova, yaacakuitirai nhasi, nokuti ʋaEgipita ʋamaʋona nhasi, hamuŋgazoʋaʋoni ɀe nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona rusununguro rwaJehovha rwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati kuvanhu, "Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti VaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.