Exodus 14:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, Jehova akadziŋga guŋgwa nemhepo inesimba, yakabva mabvazuʋa ʋusiku bgose, akashandura guŋgwa, rikaita ivu rakawoma, mvura ikatsemuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka rikava nyika yakaoma. Mvura yakakamurana,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Tenzi akaunza mhepo ine simba yaibva kumabvazuva, ikavhuvhuta usiku ihwohwo hwose, ikamisa mvura yomugungwa kuenda kwayaiyererera, ikaikamuranisa pakave napasi pakaoma mugungwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.