Exodus 14:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akanyudza makumbo eŋgoro dzaʋo, dzikatambudzika pakufamba; ʋaEgipita ʋakazoti: Ŋgatitize pamberi paʋaIsraeri, nokuti Jehova unoʋarwira iʋo, asi unorwa naʋaEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaita kuti mavhiri engoro dzavo abve zvokuti zvakanga zvaoma kudzifambisa. Uye vaIjipita vakati, “Ngatitizei kubva kuvaIsraeri. Jehovha ari kuvarwira achirwa navaIjipita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achiita kuti ngoro dzavo dzehondo dzinyure. VaIjipiti vakazoti, “Varume, ngatitizei vaIsiraeri avo nokuti Tenzi ari kuvarwira achitirwisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaIjipiti vakazoti, “Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaIjipiti.”
Shona 2009?
Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaIjipiti vakazoti, "Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaIjipiti."
Shona SUB 2002 Bible
Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; VaIjipiti vakazoti, “Ngatitize pamberi paVaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa naVaIjipiti.”