Exodus 14:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, kuti mvura idzokere pamsoro paʋaEgipita, napamsoro peŋgoro dzaʋo, napamsoro paʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo Tenzi akati kuna Mosesi, “Simudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa mvura idzokere pakare, inyudze vaIjipiti vose nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro paVaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.”