Exodus 14:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona ɓasa guru rakaŋga raitirwa ʋaEgipita naJehova, ʋanhu ʋakatya Jehova, ʋakatenda Jehova naMosesi muranda wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vaIsraeri pavakaona simba guru raJehovha richiratidzwa pamusoro pavaIjipita, vanhu vakatya Jehovha uye vakatenda kwaari naMozisi muranda wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri pavakaona simba guru raTenzi richiparadza vaIjipiti vakatya Tenzi. Vakadavira munaTenzi, uye Mosesi muranda wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMosesi muranda wake.
Shona 2009?
Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMozisi muranda wake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vana VaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa VaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMosesi muranda wake.