Exodus 14:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo weEgipita wakaʋudzwa kuti ʋanhu ʋatiza; mŋoyo waFarao nowaʋaranda ʋake ukashandukira ʋanhu, ʋakati: Taita seiko ɀatatendera ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋacitiɓatira kuti ʋaende?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIjipiti akati audzwa kuti vanhu vatiza, Faro namachinda ake vakapindura pfungwa dzavo pamusoro pavo uye vakati, “Ko, taitei? Tarega vaIsraeri vachienda uye havachatishandiri!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo weIjipiti paakaudzwa kuti vanhu vaye vatiza, iye namachinda ake vakasanduka mwoyo vakati, “Ko chiiko chatakaita? Takakanganisa, takarega vaIsiraeri vachienda zvavo vachisiya kutiitira basa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; mwoyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, “Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?”
Shona 2009?
Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; moyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, "Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; mwoyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, “Taita seiko zvatatendera VaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?”