Exodus 15:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Miriami akaʋapindura, akati: Imbirai Jehova, nokuti wakasimuka nesimba rake; Wakakandira biza nomutaȿi waro muguŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Miriamu akavaimbira akati: “Imbirai Jehovha, nokuti anokudzwa zvikuru kuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Miriamu akashaura vachiti; “Imbirai Tenzi nokuti akurira, akurira zvino mukurumbira, ngoro dzehondo navachairi vacho azviti mugunwa bvuva bvuva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Miriami akavapindura akati, “Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.”
Shona 2009?
Miriami akavapindura akati, "Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa."
Shona SUB 2002 Bible
Miriami akavapindura akati, “Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.”