Exodus 15:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakatuŋgamirira ʋaIsraeri, ʋakabva paGuŋgwa Dɀuku, ʋakaenda kurenje reShuri, ʋakaita mazuʋa matatu ʋacifamba murenje ʋasiŋgawani mvura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akatungamirira vaIsiraeri kubva paGungwa Dzvuku vachienda kurenje reShuru. Vakafamba mazuva matatu vari murenje iroro vasina pavakawana mvura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akatungamirira VaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuru, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.