Exodus 16:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndanzwa kupopota kwaʋana ʋaIsraeri; taura naʋo, uti: Maɗekwana mucadya nyama, fume maŋgwana mucaguta ɀiŋgwa; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsiraeri. Vaudze kuti manheru muchange muchidya nyama, mangwanani muchidya chingwa muchiguta. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, ‘Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa;’ zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.”
Shona 2009?
"Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, `Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa;' zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu."
Shona SUB 2002 Bible
“Ndanzwa kupopota kwavana VaIsiraeri; taura navo uti, ‘Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa;’ zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.”