Exodus 16:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakabvunzana, ʋaciti: Cinyiko? Nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiziʋi. Mosesi akati kwaʋari: Ndico ciŋgwa camapiwa naJehova kuti mudye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri pavakazviona, vakabvunzana vachiti, “Ko nhaimi, zvinhui izvozvi” Vakadaro nokuti vakanga vasingamboziva kuti chii. Mosesi akati, “Ndicho chingwa chamapiwa naTenzi kuti mudye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, “Chinyiko?” Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mosesi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
Shona 2009?
Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, "Chinyiko?" Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mozisi akati kwavari, "Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
Shona SUB 2002 Bible
Vana VaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, “Chiiko?” Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mosesi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.