Exodus 16:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋoɀiidza neomeri, uyo wakaŋga aʋuŋganidza ɀizhinji haana‐kusarirwa necinhu, naiye wakaŋga aʋuŋganidza ɀishoma haana‐kushaiwa; mumŋe nomumŋe wakaŋga aʋuŋganidza seɀaaisidya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye pavakayera neomeri; uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pavakachiera mumudziyo wamarita maviri, vakaona kuti vaya vakanga vanonga chakawanda chakanga chisina kupfuuridza, vayawo vakanga vanonga chishoma chakanga chisina kushomekesa. Mumwe nomumwe akanga anonga chakakwanirana naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.
Shona 2009?
Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.