Exodus 16:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haʋana‐kuterera Mosesi, asi ʋamŋe ʋakasiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana; ɀikazara nehonye, ɀikanhuwa; Mosesi akaʋatsamŋira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuwa. Saka Mozisi akavatsamwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vanhu havana kuteerera Mosesi. Vamwe vakasiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani, asi chakaora chikaita honye. Mosesi akavashatirirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi havana kuteerera Mosesi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mosesi akavatsamwira.
Shona 2009?
Asi havana kuteerera Mozisi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mozisi akavatsamwira.
Shona SUB 2002 Bible
Asi havana kuteerera Mosesi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mosesi akavatsamwira.